Zvirevo 17:19-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Uyo anoda zvokukakavara anoda chivi; uyo anovaka suo refu anotsvaka kuparadzwa.

20. Munhu ane mwoyo wakaipa haabudiriri; uyo ane rurimi runonyengera achawira mudambudziko.

21. Kuva nomwanakomana benzi kunouyisa kurwadziwa; baba vebenzi havana mufaro.

22. Mwoyo wakafara mushonga wakanaka, asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa.

23. Munhu akaipa anogamuchira fufuro muchivande, kuti aminamise nzira dzokururamisira.

24. Munhu ane njere anoisa uchenjeri pamberi, asi meso ebenzi anosvika kumagumo enyika.

Zvirevo 17