Zvirevo 17:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zviri nani kuva nechimedu chakaoma chechingwa uine rugare norunyararo pane imba izere namabiko, ine kupesana.

2. Muranda akachenjera achatonga mwanakomana anonyadzisa, uye achagoverwa nhaka somumwe wehama.

3. Hari ndeyokubika sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi Jehovha ndiye anoedza mwoyo.

4. Munhu akaipa anoteerera miromo yakaipa; murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi runoparadza.

Zvirevo 17