Zvirevo 16:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Jehovha anovenga vose vane mwoyo inozvikudza. Zvirokwazvo, havangaregi kurangwa.

6. Kubudikidza norudo nokutendeka, chivi chinoyananisirwa, kubudikidza nokutya Jehovha munhu anorega kuita zvakaipa.

7. Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha, anoita kuti kunyange vavengi vake vagarisane naye murugare.

8. Zviri nani kuva nezvishoma mukururama, pane kuva nezvakawanda kwazvo mukusaruramisira.

Zvirevo 16