Zvirevo 15:7-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Miromo yavakachenjera inokusha zivo; asi mwoyo yamapenzi haidaro.

8. Jehovha anovenga chibayiro chowakaipa, asi munyengetero wokururama unomufadza.

9. Jehovha anovenga nzira yowakaipa, asi anoda vaya vanotevera kururama.

10. Kurangwa kwakaomarara kwakamirira uyo anotsauka kubva panzira; uyo anovenga kudzorwa achafa.

11. Rufu nokuparadzwa zviri pachena pamberi paJehovha, ko, kuzoti mwoyo yavanhu!

12. Mudadi anovenga kudzorwa; haangabvunzi vakachenjera.

13. Mwoyo wakafara, unofadza chiso, asi mwoyo une shungu unopwanya mweya.

14. Mwoyo unonzvera unotsvaka ruzivo, asi muromo webenzi unodya upenzi.

15. Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa, asi mwoyo unofara une mutambo nguva dzose.

16. Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha, pane kuva nepfuma zhinji namatambudziko.

Zvirevo 15