5. Benzi rinoramba kurayira kwababa varo, asi ani naani anogamuchira kurayirwa anoratidza kungwara.
6. Imba yowakarurama ine pfuma zhinji, asi zvinowanikwa nowakaipa zvinomuuyira kutambudzika.
7. Miromo yavakachenjera inokusha zivo; asi mwoyo yamapenzi haidaro.
8. Jehovha anovenga chibayiro chowakaipa, asi munyengetero wokururama unomufadza.