Zvirevo 15:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Benzi rinoramba kurayira kwababa varo, asi ani naani anogamuchira kurayirwa anoratidza kungwara.

6. Imba yowakarurama ine pfuma zhinji, asi zvinowanikwa nowakaipa zvinomuuyira kutambudzika.

7. Miromo yavakachenjera inokusha zivo; asi mwoyo yamapenzi haidaro.

8. Jehovha anovenga chibayiro chowakaipa, asi munyengetero wokururama unomufadza.

Zvirevo 15