Zvirevo 14:32-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. Kana njodzi yauya, akaipa anowisirwa pasi, asi kunyange murufu akarurama ane utiziro.

33. Uchenjeri hunogara mumwoyo yavanohunzvera uye kunyange pakati pamapenzi hunozvizivisa.

34. Kururama kunosimudzira rudzi, asi chivi chinonyadzisa vanhu vapi zvavo.

35. Mambo anofarira muranda akachenjera, asi muranda anonyadzisa achatsamwirwa naye.

Zvirevo 14