Zvirevo 14:16-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Munhu akachenjera anotya Jehovha uye anovenga zvakaipa, asi benzi rina manyawi uye harina hanya.

17. Munhu anokurumidza kutsamwa anoita zvinhu zvoupenzi, uye munhu anoita zvounyengeri achavengwa.

18. Vasina mano vachagara nhaka youpenzi, asi vakangwara vachapfekedzwa korona yezivo.

19. Vanhu vakaipa vachagwadama pamberi pavakanaka, uye vakaipa pamasuo avakarurama.

20. Varombo vanoraswa kunyange navavakidzani vavo, asi vapfumi vane shamwari zhinji.

21. Uyo anozvidza muvakidzani wake anotadza, asi akaropafadzwa ane tsitsi kune vanoshayiwa.

22. Ko, vanoronga zvakaipa havarasiki here? Asi avo vanoronga zvakanaka vanowana rudo nokutendeka.

23. Kushanda nesimba kwose kunopa mubayiro, asi kungotaura kunotungamirira kuurombo bedzi.

24. Upfumi hwavakachenjera ikorona yavo, asi upenzi hwamapenzi hunobereka upenzi.

25. Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu, asi chapupu chenhema chinonyengera.

Zvirevo 14