1. Mukadzi akachenjera anovaka imba yake, asi benzi rinoputsa imba yaro namaoko aro.
2. Uyo ano mufambiro wakarurama anotya Jehovha, asi uyo ano mufambiro wakatsauka anomuzvidza.
3. Kutaura kwebenzi kunouyisa shamhu kumusana kwaro, asi miromo yavakachenjera inovadzivirira.
4. Kana pasina nzombe, chidyiro hachina chinhu, asi pasimba renzombe ndipo panobva kukohwa kukuru.
5. Chapupu chechokwadi hachinyengeri, asi chapupu chenhema chinodurura nhema.
6. Mudadi anotsvaka uchenjeri asi haahuwani, asi ruzivo runouya zviri nyore kune anonzvera.
7. Gara kure nomunhu benzi, nokuti haungawani ruzivo kubva pamiromo yake.