Zvirevo 13:23-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Munda womurombo ungabereka zvokudya zvakawanda, asi kusaruramisira kunozvitsvairira kure.

24. Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake, asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.

25. Vakarurama vanodya zvinogutsa mwoyo yavo, asi dumbu rowakaipa richanzwa nzara.

Zvirevo 13