Zvirevo 13:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mwanakomana akachenjera anoteerera kurayira kwababa vake, asi mudadi haateereri kana achitsiurwa.

2. Kubva pazvibereko zvomuromo wake munhu achadya zvinhu zvakanaka, asi vasina kutendeka vanofarira kumanikidza.

3. Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake, asi uyo anokurumidzira kutaura achaparadzwa.

4. Simbe inopanga asi igoshayiwa chinhu, asi zvishuvo zvavanoshingaira zvichazadziswa.

5. Vakarurama vanovenga nhema, asi vakaipa vanouyisa kunyadziswa nokunyangadza.

6. Kururama kunorinda munhu ane unhu hwakanaka, asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.

7. Mumwe munhu anozviti mupfumi, asi asina chinhu; mumwewo anozviti murombo, asi aine upfumi huzhinji.

8. Upfumi hwomunhu hunogona kudzikinura upenyu hwake, asi murombo haanzwi kutyisidzirwa.

9. Chiedza chowakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje woakaipa uchadzimwa.

Zvirevo 13