Zvirevo 12:20-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Mune kunyengera mumwoyo yaavo vanoronga zvakaipa, asi rufaro rwuri kune avo vanokurudzira rugare.

21. Akarurama haangatongowirwi nezvakaipa, asi vakaipa vachava namatambudziko akavafanira.

22. Jehovha anovenga miromo inotaura nhema, asi anofadzwa navanhu vanotaura chokwadi.

23. Munhu akachenjera anovanza zivo yake, asi mwoyo yamapenzi inotaura zvoupenzi.

24. Maoko anoshingaira achatonga, asi usimbe hunopedzisira mukushanda somuranda.

25. Mwoyo unopunyaira unoremedza munhu, asi shoko nyoro rinomufadza.

26. Munhu akarurama anochenjerera ushamwari, asi nzira yavakaipa inovatungamirira mukurasika.

27. Munhu ane usimbe haagochi mhuka yaabata, asi munhu anoshingaira anokoshesa pfuma yake.

28. Munzira yokururama mune upenyu; kwainoenda hakuna rufu.

Zvirevo 12