Zvirevo 12:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ani naani anoda kurayirwa anoda zivo, asi uyo anovenga kudzorwa ibenzi.

2. Munhu akanaka anowana nyasha kubva kuna Jehovha, asi Jehovha anotuka munhu ane mano akaipa.

3. Munhu haangasimbiswi nezvakaipa, asi mudzi womunhu akarurama haungadzurwi.

4. Mudzimai ane unhu hwakanaka ikorona kumurume wake, asi mudzimai anonyadzisa akafanana nokuora mumapfupa omurume wake.

5. Urongwa hwomunhu akarurama hwakarurama, asi kurayira kwavakaipa kunonyengera.

6. Mashoko owakaipa anovandira ropa, asi kutaura kwavakarurama kunovanunura.

7. Vanhu vakaipa vanobviswa pachigaro uye havazovapozve, asi imba yowakarurama icharamba yakasimba.

8. Munhu anorumbidzwa maererano nouchenjeri hwake, asi vanhu vane pfungwa dzakatsauka vanozvidzwa.

Zvirevo 12