Zvirevo 11:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Uyo anoisira mumwe rubatso zvirokwazvo achaona nhamo, asi ani naani anoramba kumbundana maoko achiita mhiko achapona.

16. Mukadzi ane mwoyo munyoro achakudzwa, asi varume vane utsinye vachawana pfuma chete.

17. Munhu ane tsitsi anozviitira zvakanaka iye pachake, asi munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko.

18. Munhu akaipa anowana mubayiro wokunyegedzera, asi uyo anodyara kururama anokohwa mubayiro wechokwadi.

19. Munhu akarurama zvechokwadi anowana upenyu, asi uyo anotevera zvakaipa anoenda kurufu rwake.

Zvirevo 11