Zvirevo 10:23-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Benzi rinofadzwa nokuita zvakaipa, asi munhu anonzwisisa anofarira uchenjeri.

24. Zvinotyiwa nowakaipa ndizvo zvichaitika kwaari; zvinoshuviwa nowakarurama zvichapiwa kwaari.

25. Kana dutu rapfuura napo, vakaipa havazowanikwi, asi vakarurama vachamira vakasimba nokusingaperi.

26. Sevhiniga kumazino noutsi kumaziso, ndizvo zvakaita simbe kuna avo vachamutuma.

Zvirevo 10