Zvirevo 1:30-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. sezvo vasina kugamuchira yambiro yangu, uye vakashora kutsiura kwangu,

31. vachadya zvibereko zvenzira dzavo uye vachazadzwa nezvibereko zvemano avo.

32. Nokuti kusateerera kwavasina mano kuchavaurayisa, uye kushaya hanya kwamapenzi kuchavaparadza;

33. asi ani naani achanditeerera achagara murugare, uye achagara akasununguka, asingatyi kuparadzwa.”

Zvirevo 1