24. Asi sezvo makandiramba pandakakudanai uye pasina kana mumwe akateerera pandakatambanudza ruoko rwangu,
25. sezvo makashaya hanya nokurayira kwangu,
26. iniwo ndichaseka panguva yenjodzi yenyu; ndichaseka dambudziko parichakusvikirai,
27. dambudziko parichakukundai sedutu, njodzi paichavhuvhuta pamusoro penyu sechamupupuri, nhamo namatambudziko pazvichakukundai.
28. “Ipapo vachadana kwandiri asi ini handingavapinduri; vachanditsvaka asi havangandiwani.
29. Sezvo vakavenga zivo uye vakasasarudza kutya Jehovha,
30. sezvo vasina kugamuchira yambiro yangu, uye vakashora kutsiura kwangu,