10. Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikukwezva, usabvuma zvavari kuda kuti uite.
11. Kana vakati, “Handei tose; ngativandirei munhu timuuraye; ngativandirei mweya usina mhosva;
12. ngativamedzei vari vapenyu, seguva, uye vakakwana kudaro savaya vanodzika mugomba;
13. tichawana marudzi ose ezvinhu zvinokosha tigozadza dzimba dzedu nezvatichapamba;
14. isa zvinhu zvako pamwe chete nesu, tigova nechikwama chimwe chete,”
15. mwanakomana wangu, usabvumirana navo, usaisa rutsoka panzira dzavo;
16. nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira muchivi, vanokurumidza kundodeura ropa.
17. Hazvibatsiri sei kutambanudza mumbure shiri dzose dzichinyatsoona!
18. Varume ava vanovandira ropa ravo vamene; vanozvivandira ivo pachavo!
19. Aya ndiwo magumo avaya vanotsvaka pfuma nenzira yakaipa; inouraya vaya vanoiwana.
20. Uchenjeri hunodanidzira nenzwi guru mumugwagwa, hunokwidza inzwi rahwo pachivara;
21. kumusoro kwemigwagwa ine ruzha hunodanidzira, pamasuo eguta hunotaura shoko rahwo huchiti:
22. “Kusvikira riniko imi vasina mano, muchingoda kugara musina mano? Kusvikira riniko vaseki vachifarira kuseka, uye mapenzi achivenga zivo?