2. Ndakabvunza ndikati, “Uri kuendepiko?” Akandipindura achiti, “Kunoyera Jerusarema, kuti ndione kufara kwaro nokureba kwaro.”
3. Ipapo mutumwa aitaura neni akaenda, uye mumwe mutumwa akauya kuzosangana naye
4. uye akati kwaari: “Mhanya, undoudza jaya iro kuti, ‘Jerusarema richava guta risina masvingo nokuda kwokuwanda kwavanhu nezvipfuwo zviri mariri.
5. Uye ini pachangu ndichava rusvingo rwomoto rwakarikomberedza,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichava kubwinya kwaro mukati maro.’
6. “Uyai! Uyai! Tizai kubva kunyika yokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndakakuparadzirai kumhepo ina dzedenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
7. “Uya, iwe Zioni! Tiza, iwe unogara muMwanasikana weBhabhironi!”