Vatongi 5:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Nomusi uyo Dhibhora naBharati mwanakomana waAbhinoami vakaimba rwiyo urwu runoti:

2. “Kana machinda aIsraeri achitungamirira, kana vanhu vachizvipira pachavo Jehovha, ngaarumbidzwe!”

3. “Inzwai izvi, imi madzimambo! Teererai imi vatongi! Ndichaimbira Jehovha, ini ndichaimba; Ndichaimbira Jehovha, Mwari waIsraeri.

4. “Haiwa Jehovha, pamakabuda kubva muSeiri, pamakafamba muchibva munyika yeEdhomu, Nyika yakadengenyeka, matenga akadurura, makore akadurura mvura pasi.

Vatongi 5