1. Nomusi uyo Dhibhora naBharati mwanakomana waAbhinoami vakaimba rwiyo urwu runoti:
2. “Kana machinda aIsraeri achitungamirira, kana vanhu vachizvipira pachavo Jehovha, ngaarumbidzwe!”
3. “Inzwai izvi, imi madzimambo! Teererai imi vatongi! Ndichaimbira Jehovha, ini ndichaimba; Ndichaimbira Jehovha, Mwari waIsraeri.
4. “Haiwa Jehovha, pamakabuda kubva muSeiri, pamakafamba muchibva munyika yeEdhomu, Nyika yakadengenyeka, matenga akadurura, makore akadurura mvura pasi.