15. VaIsraeri vakachemazve kuna Jehovha, iye akavapa musununguri, Ehudhi murume aiva neziboshwe, mwanakomana waGera muBhenjamini. VaIsraeri vakamutuma nomutero kuna Egironi mambo weMoabhu.
16. Zvino Ehudhi akanga aita munondo wakarodzwa kumativi ose uchikarosvika kubhiti rimwe chetea pakurega kwawo waakanga akasungira pasi penguvo dzake pachidya chake chokurudyi.
17. Akapa mutero kuna Egironi mambo weMoabhu, murume akanga akafuta kwazvo.
18. Mushure mokunge Ehudhi apa mutero, akati vanhu vakanga vauya vakatakura mutero wacho vaende.