Vatongi 1:30-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. NaZebhuruniwo haana kudzinga vaKenani vaigara muKitironi kana vaNaharori, vakaramba vagere pakati pavo; asi vakaita kuti vaite basa rechibharo.

31. Uye Asheri haanawo kudzinga vaya vaigara muAko kana veSidhoni kana Ahirabhi kana Akizibhi kana Heribha kana Afeki kana Rehobhi,

32. uye nokuda kwaizvozvo vanhu veAsheri vakagara pakati pavaKenani avo vaigara munyika.

Vatongi 1