Varoma 14:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Nokuti umambo hwaMwari hauzi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama norugare uye nomufaro muMweya Mutsvene,

18. nokuti ani naani anoshumira Kristu nenzira iyi anofadza Mwari, uye anotendwa navanhu.

19. Naizvozvo ngatishingairirei kutsvaga izvo zvinouyisa rugare uye zvatingasimbisana nazvo.

20. Musaparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvokudya zvose zvakachena, asi hazvina kunaka kuti munhu adye chinhu chipi zvacho chingagumbusa mumwe munhu.

Varoma 14