1. Ndinoda kuti muzive kuti ndiri kurwa sei pamusoro penyu uye naavo vari paRaodhikea, navose vasina kuonana neni pachangu.
2. Vavariro yangu ndeyokuti vakurudzirwe mumwoyo uye vabatane murudo, kuitira kuti vave nepfuma izere yokunzwisisa kwakakwana, kuti vagoziva chakavanzika chaMwari, iye Kristu,
3. maari pfuma yose youchenjeri nokuziva yakachengetwamo.