Vahebheru 3:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. mandakaedzwa namadzibaba enyuuye kwamakore makumi mana vakaona zvandakaita.

10. Ndokusaka ndakatsamwira rudzi irworwo,uye ndikati, ‘Mwoyo yavo inogara ichitsauka,havana kuziva nzira dzangu.’

11. Naizvozvo ndakapika mhiko pakutsamwa kwangu ndikati,‘Havangazopindi pazororo rangu.’ ”

12. Hama dzangu, chenjererai kuti pakati penyu pasava nomunhu ano mwoyo usingatendi, une zvivi, unotsauka kubva kuna Mwari mupenyu.

Vahebheru 3