3. Jesu akaonekwa kuti akafanira kukudzwa kupfuura Mozisi, somuvaki weimba anokudzwa kupfuura imba yacho.
4. Nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi Mwari ndiye muvaki wezvinhu zvose.
5. Mozisi akanga akatendeka somuranda muimba yose yaMwari, achipupura pamusoro pezvaizotaurwa munguva yaizotevera.
6. Asi Kristu akatendeka somwanakomana pamusoro peimba yaMwari. Uye isu tiri imba yake, kana tikabatisisa pakushinga kwedu uye netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.
7. Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti:“Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,
8. musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira,panguva yokuedzwa murenje,