Vagaratia 4:24-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Zvinhu izvi zvinofananidzira, nokuti vakadzi ava vanomirira sungano mbiri. Imwe sungano inobva paGomo reSinai uye inobereka vana vanofanira kuva nhapwa: Ndiye Hagari.

25. Zvino Hagari anomirira Gomo reSinai muArabhia uye rakaenzana neguta reJerusarema razvino, nokuti riri pautapwa navana varo.

26. Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye ndivo mai vedu.

Vagaratia 4