7. Asi kuno mumwe nomumwe wedu kwakapiwa nyasha sokugoverwa kwadzakaitwa naKristu.
8. Ndokusaka zvichinzi:“Paakakwira kudenga,akatapa utapwauye akapa zvipo kuvanhu vake.”
9. (Zvinorevei kuti “akakwira” asi kuti akaburukawo kumativi ari pasi enyika?
10. Iye akaburuka ndiye chaiye akakwira kumusoro-soro kupfuura kudenga denga, kuitira kuti azadze pasi pose.)
11. Ndiye akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe kuti vave vaprofita, vamwe kuti vave vavhangeri, uye vamwe kuti vave vafudzi navadzidzisi,
12. kuti vagadzirire vanhu vaMwari pabasa rokushumira, kuitira kuti muviri waKristu uvakwe
13. kudzamara isu tose tasvika pahumwe hwokutenda uye nomukuziva Mwanakomana waMwari napamunhu akura, asvika pachiyero chose chokuzara kwaKristu.