Vaefeso 4:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Sezvo ndiri musungwa waShe, zvino ndinokukurudzirai kuti murarame upenyu hwakafanira kudanwa kwamakagamuchira.

2. Muzvininipise zvachose uye mupfave; muite mwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo.

3. Mushingaire kuchengeta humwe hwoMweya kubudikidza nechisungo chorugare.

4. Pano muviri mumwe noMweya mumwe, sezvo makadanirwa kutariro imwe chete pamakadanwa,

5. Ishe mumwe, kutenda kumwe, rubhabhatidzo rumwe;

6. Mwari mumwe uye Baba vavose, ari pamusoro pavose, uye kubudikidza navose, uye muna vose.

7. Asi kuno mumwe nomumwe wedu kwakapiwa nyasha sokugoverwa kwadzakaitwa naKristu.

8. Ndokusaka zvichinzi:“Paakakwira kudenga,akatapa utapwauye akapa zvipo kuvanhu vake.”

9. (Zvinorevei kuti “akakwira” asi kuti akaburukawo kumativi ari pasi enyika?

10. Iye akaburuka ndiye chaiye akakwira kumusoro-soro kupfuura kudenga denga, kuitira kuti azadze pasi pose.)

11. Ndiye akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe kuti vave vaprofita, vamwe kuti vave vavhangeri, uye vamwe kuti vave vafudzi navadzidzisi,

12. kuti vagadzirire vanhu vaMwari pabasa rokushumira, kuitira kuti muviri waKristu uvakwe

Vaefeso 4