4. Imi vanasikana veJerusarema ndinokurayirai: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga.
5. Ndianiko uyo ari kuuya achibva kurenje akazendamira pamudiwa wake?Pasi pomuti womuapuro ndakakumutsa; ipapo mai vako vakakubereka, ipapo ivo vairwadziwa vakakubereka.
6. Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso, sechisimbiso paruoko rwako; nokuti rudo rwakasimba sorufu godo rarwo, seguva harishanduki. Runopisa serimi romoto, somurazvo mukuru kwazvo.
7. Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; nzizi hadzigoni kurukukura. Kunyange munhu akapa pfuma yose yemba yake kuti awane rudo, zvingazvidzwa chose.