Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 5:8-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Imi vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai, kana mukaona mudiwa wangu, muchamuudzeiko? Mumuudze kuti ndinorwara norudo.

9. Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi? Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, zvaunotirayira kudaro?

10. Mudiwa wangu akanaka uye mutsvuku, anokunda vane zviuru gumi.

11. Musoro wake igoridhe chairo; bvudzi rake rinoyevedza uye rakasviba segunguo.

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 5