Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 2:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Tibatirei makava, ivo vana vemakava anoparadza minda yemizambiringa, iyo mizambiringa yedu yotunga maruva.

16. Mudiwa wangu ndowangu uye ndiri wake; anofamba-famba pakati pamaruva omubani.

17. Kusvikira zuva rabuda uye mimvuri yatiza, pinduka, mudiwa, ubva waita semhara kana tsvana pamusoro pezvikomo.

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 2