Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 1:11-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Tichakugadzirira mhete dzenzeve dzegoridhe nesirivha.

12. Mambo paakanga agere patafura yake, munhuwi wamafuta andainge ndazora wakapararira.

13. Mudiwa wangu, kwandiri akaita sakahomwe kemura kanogara pakati pamazamu angu.

14. Mudiwa wangu, kwandiri akaita sesumbu ramaruva machena anobva mubindu remizambiringa yeEni Gedhi.

15. Kunaka here kwawakaita uku, mudiwa wangu! Aa, wakazonaka! Meso ako injiva chaidzo!

16. Wakanaka sei, mudiwa wangu! Aa, unofadza! Uye uvato hwedu hwakasvibira.

17. Nhungo dzeimba yedu ndedzomusidhari; mbariro dzacho ndedzomupaini.

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 1