Ruka 9:54-57 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

54. Vadzidzi Jakobho naJohani vakati vaona izvi, vakabvunza vakati, “Ishe, munoda here kuti tidane moto uburuke kubva kudenga kuti uvaparadze?”

55. Asi Jesu akatendeuka akavatsiura,

56. uye akabva akaenda kuno mumwe musha.

57. Vakati vachifamba mumugwagwa, mumwe munhu akati, “Ndichakuteverai kwose kwamunoenda.”

Ruka 9