Ruka 6:18-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. vakanga vauya kuzomunzwa uye kuti vazoporeswa pahosha dzavo. Vaya vakanga vachimanikidzwa nemweya yakaipa vakaporeswa,

19. uye vanhu vose vakaedza kumubata, nokuti simba rakanga richibuda maari uye richivaporesa vose.

20. Akatarira kuvadzidzi vake, akati:“Makaropafadzwa imi varombo,nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu.

21. Makaropafadzwa imi vane nzara zvino,nokuti muchaguta. Makaropafadzwa imi vanochema zvino, nokuti muchaseka.

22. Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikuvengai,vachikutsaurai uye vachikutukai, vachiramba zita renyu serakaipa,nokuda kwoMwanakomana woMunhu.

23. “Farai pazuva iro uye mupembere nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndiwo matambudzirwo akaitwa vaprofita namadzibaba avo.

24. “Asi mune nhamo imi vapfumi,nokuti makatowana kunyaradzwa kwenyu kare.

Ruka 6