Ruka 23:17-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. (Nokuti aifanira kuvasunungurira mumwe munhu pamutambo.)

18. Vose pamwe chete vakadanidzira vachiti, “Murume uyu ngaafe! Tisunungurirei Bharabhasi!”

19. (Bharabhasi akanga aiswa mujeri nokuda kwebope raakanga amutsa muguta, uye nemhaka yokuuraya.)

20. Sezvaakanga achida kusunungura Jesu, Pirato akataurazve navo.

21. Asi ivo vakaramba vachidanidzira vachiti, “Murovererei! Murovererei!”

Ruka 23