1. Ipapo ungano yose yakasimuka ikaenda naye kuna Pirato.
2. Uye vakatanga kumupomera mhosva, vachiti, “Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu. Haabvumirani nokuripa mutero kuna Kesari uye anozviti ndiye Kristu, mambo.”
3. Saka Pirato akabvunza Jesu achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamareva.”