Ruka 22:52-59 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

52. Ipapo Jesu akati kuvaprista vakuru navabati vaichengeta temberi, navakuru vakanga vamuvinga, “Ko, ini ndiri mupanduki mukuru here, zvamauya neminondo netsvimbo?

53. Mazuva ose ndakanga ndinemi mutemberi, uye hamuna kundibata. Asi ino ndiyo nguva yenyu, yokutonga kwerima.”

54. Ipapo vakamubata, vakaenda naye vakandomuisa mumba momuprista mukuru. Petro akamutevera ari nechokure.

55. Asi vakati vabatidza moto pakati poruvazhe uye vagara pasi pamwe chete, Petro akagara pakati pavo.

56. Musikana akanga ari mushandi akamuona agerepo muchiedza chomoto. Akamunan'anidza akati, “Murume uyu aivawo naJesu.”

57. Asi iye akaramba izvozvo uye akati, “Iwe mukadzi, handimuzivi ini.”

58. Kwapera chinguvana, mumwezve akamuona akati, “Newewo uri mumwe wavo.”Petro akapindura akati, “Iwe murume, handizi!”

59. Shure kweawa imwe chete mumwezve akauya akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga anaye, nokuti muGarirea.”

Ruka 22