1. Nerimwe ramazuva paakanga achidzidzisa vanhu mutemberi uye achiparidza vhangeri, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, pamwe chete navakuru, vakasvika kwaari.
2. Vakati kwaari, “Tiudzei kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri?”
3. Akapindura akati, “Neniwo ndichakubvunzai mubvunzo. Ndiudzei,
4. ‘Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu?’ ”