Ruka 2:28-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Simeoni akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari achiti:

29. “Ishe Tenzi, sezvamakavimbisa,zvino chiendesai henyu muranda wenyu norugare.

30. Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu,

31. rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose,

32. chiedza chinovhenekera vaHedheniuye nokukudzwa kwavanhu venyu Israeri.”

33. Baba namai vomwana vakashamiswa nezvakataurwa pamusoro pake.

Ruka 2