10. Asi mutumwa akati kwavari, “Musatya. Ndauya nenhau dzakanaka dzomufaro mukuru uchava wavanhu vose.
11. Nhasi muguta raDhavhidhi mazvarwa Muponesi; ndiye Kristu Ishe.
12. Ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri: Muchawana mwana akaputirwa nemicheka uye avete muchidyiro chezvipfuwo.”
13. Pakarepo hondo huru yokudenga yakaonekwa pamwe chete nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti:
14. “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro-soro,uye rugare panyika nokuvanhu vaanofarira.”