27. Jesu akapindura achiti, “Zvisingagoneki kuvanhu zvinogoneka kuna Mwari.”
28. Petro akati kwaari, “Takasiya zvose zvataiva nazvo kuti tikuteverei!”
29. Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna munhu akasiya musha, kana mukadzi, kana munun'una, kana vabereki, kana vana nokuda kwoumambo hwaMwari,
30. asingazogamuchiri zvakapetwa kakawanda munguva ino, uye upenyu husingaperi munguva inouya.”
31. Jesu akatsaura parutivi vane gumi navaviri akavaudza kuti, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye zvose zvakanyorwa navaprofita pamusoro poMwanakomana woMunhu zvichazadziswa.
32. Achaiswa mumaoko avahedheni. Vachamuseka, vachamutuka, nokumupfira mate, vachamurova uye vachamuuraya.
33. Pazuva rechitatu achamukazve.”
34. Vadzidzi hapana chavakanzwisisa pachinhu ichi. Zvairehwa zvacho zvakanga zvakavanzika kwavari, uye havana kuziva zvaakanga achitaura pamusoro pazvo.
35. Jesu akati aswedera pedyo neJeriko, mumwe murume akanga ari bofu akanga agere parutivi pomugwagwa achipemha.
36. Akati achinzwa vanhu vazhinji vakanga vachipfuura, akabvunza kuti chii chakanga chichiitika.
37. Vakamuudza kuti, “Jesu weNazareta ari kupfuura napano.”
38. Iye akadanidzira akati, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!”
39. Vaya vakanga vachitungamira vakamutsiura vakamuudza kuti anyarare, asi iye akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!”
40. Jesu akamira ndokurayira kuti murume uyu auyiswe kwaari. Akati aswedera pedyo, Jesu akamubvunza akati,
41. “Unoda kuti ndikuitireiko?”Iye akapindura akati, “Ishe, ndinoda kuti ndione.”
42. Jesu akati kwaari, “Chiona; kutenda kwako kwakuporesa.”
43. Pakarepo akaona akatevera Jesu, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizviona, naivowo vakarumbidza Mwari.