Ruka 17:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Jesu akati, “Ko, havazi vose gumi vakaporeswa here? Ko, vamwe vapfumbamwe varipi?

18. Kwashayikwa mumwe woga adzoka akazorumbidza Mwari kunze kwouyu mutorwa here?”

19. Ipapo akati kwaari, “Simuka uende; kutenda kwako kwakuporesa.”

20. Akati abvunzwa navaFarisi kuti umambo hwaMwari hwaizosvika riini, Jesu akapindura akati, “Umambo hwaMwari hahuuyi nokunyatsocherechedza kwenyu,

Ruka 17