Revhitiko 8:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Mozisi akaita sezvaakaudzwa naJehovha, uye ungano ikaungana pamusuo weTende Rokusangana.

5. Mozisi akati kuungano, “Izvi ndizvo zvarayirwa naJehovha kuti zviitwe.”

6. Ipapo Mozisi akauya naAroni navanakomana vake mberi akavashambidza nemvura.

7. Akapfekedza Aroni nguo akamusunga bhanire, akamupfekedza jasi, uye akamupfekedza efodhi. Akasungirirawo efodhi paari nebhande rakasonwa nounyanzvi; saka rakasungirirwa paari.

8. Akaisa chidzitiro chepachipfuva paari uye akaisa Urimi neTumimi pachidzitiro chepachipfuva.

Revhitiko 8