Revhitiko 27:23-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. muprista achatara mutengo wawo kusvikira mugore reJubhiri, uye munhu uyu anofanira kuripa mutengo wawo musi iwoyo sechinhu chitsvene kuna Jehovha.

24. Mugore reJubhiri munda uchadzokera kumunhu waakatengserana naye uyo aiva muridzi womunda.

25. Mutengo wose unofanira kutarwa zvichienderana neshekeri repanzvimbo tsvene, makumi maviri amagera pashekeri rimwe.

26. “ ‘Zvisinei hazvo, hapana munhu angakumikidza dangwe remhuka, sezvo dangwe ragara riri raJehovha kare; ingava mombe kana gwai; ndezvaJehovha.

Revhitiko 27