Revhitiko 26:32-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. Ndichaparadza nyika yenyu, zvokuti vavengi venyu vanogaramo vachashamiswa.

33. Ndichakuparadzirai mukati mamarudzi uye ndichabudisa munondo wangu ndigokudzingirirai. Nyika yenyu ichaparara, uye maguta enyu achava matongo.

34. Ipapo nyika ichafarira makore ayo esabata panguva yose yokuparadzwa kwayo pamunenge muri munyika yavavengi venyu; ipapo nyika ichazorora igofadzwa namasabata ayo.

Revhitiko 26