Revhitiko 24:12-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Vakamuisa mutorongo kusvikira kuda kwaJehovha kwaiswa pachena kwavari.

13. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

14. “Tora mutuki uende naye kunze kwomusasa. Vose vakamunzwa vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wake uye ungano yose inofanira kumutaka namabwe.

Revhitiko 24