Revhitiko 18:18-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. “ ‘Usatora munun'una womukadzi wako kuti ave mukadzinyina, varwisane, ugosangana naye mukadzi wako achiri mupenyu.

19. “ ‘Usaswedera kumukadzi kuti usangane naye panguva yokusachena kwokuenda kumwedzi kwake.

20. “ ‘Usasangana nomukadzi womuvakidzani wako ugozvisvibisa naye.

21. “ ‘Usapa ani zvake pakati pavana vako kuti vabayirwe kuna Moreki nokuti haufaniri kumhura zita raJehovha. Ndini Jehovha.

22. “ ‘Usavata nomurume somurume anovata nomukadzi; zvinonyangadza.

23. “ ‘Usasangana nemhuka uye ugozvisvibisa nayo. Mukadzi haafaniri kuzvipa kumhuka kuti asangane nayo; uku kunyangadza kukuru.

Revhitiko 18