Revhitiko 15:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Ani naani achagara pachigaro chagarwa nomurume anobuda zvinoerera anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.

7. “ ‘Ani naani achabata murume iyeye anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.

8. “ ‘Kana murume iyeye akasvipira mumwe munhu akachena, achava asina kuchena kusvikira manheru.

9. “ ‘Chinhu chose chichatasvwa nomurume iyeye chichava chisina kuchena,

10. uye ani naani achabata zvinhu zvanga zviri pasi pake achava asina kuchena kusvikira manheru; ani naani anonhonga zvinhu izvozvo anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.

11. “ ‘Ani naani achabatwa nomurume iyeye asina kushamba maoko ake anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.

12. “ ‘Hari yevhu ichabatwa nomurume iyeye inofanira kuputswa uye mudziyo upi zvawo wakagadzirwa nomuti unofanira kusukwa nemvura.

Revhitiko 15