Revhitiko 14:42-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

42. Ipapo vanofanira kutora mamwe matombo vagotsiva aya vagotora ivhu idzva vakodzura imba.

43. “Kana maperembudzi akaonekwa zvakare mumba mushure mokunge matombo abviswa imba yaparwa yadzurwa,

44. muprista anofanira kuenda kunozvinan'anidza. Kana maperembudzi apararira ihosha inoparadza, imba haina kuchena.

45. Inofanira kupazwa, matombo ayo, mapuranga nokudzura kwose, zvotorwa zvoendeswa kunze kweguta kunzvimbo isina kuchena.

46. “Munhu upi noupi achapinda muimba iyi painenge ichakapfigwa achava asina kuchena kusvika manheru.

47. Munhu wose achavata kana kuti achadya ari mumba iyoyo anofanira kusuka nguo dzake.

48. “Asi kana muprista akauya kuzoiongorora, akaona kuti maperembudzi haana kupararira mumba mushure mokunge yadzurwa, achati imba yakachena nokuti maperembudzi aenda.

49. Kuti anatse imba, anofanira kutora shiri mbiri nedanda romusidhari, mucheka mutsvuku nehisopi.

50. Achaurayira imwe shiri pamusoro pemvura yakachena iri muhari yevhu.

Revhitiko 14