Revhitiko 13:34-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. Pazuva rechinomwe muprista anofanira kuongorora panovava, uye kana pasina kupararira neganda zvichiratidza kuti hazvina kudzika kudarika ganda, muprista achazivisa kuti akachena. Anofanira kusuka nguo dzake agova akachena.

35. Asi kana kuvava kukaparira neganda iye aziviswa kuti akachena,

36. muprista anofanira kumuongorora, uye kana kuvava kwapararira neganda, muprista haafaniri kutsvaga bvudzi renhundurwa, nokuti munhu iyeye haana kuchena.

Revhitiko 13